1 Chronicles 1:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Eberi akaɓerekerwa ʋanakomana ʋaʋiri, zita romumŋe raiʋa Peregi, nokuti pamazuʋa ake nyika yakaganhurwa; zita romunuŋuna wake raiʋa Joktani.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanakomana vaviri vakaberekerwa Ebheri: mumwe ainzi Peregi, nokuti panguva yake nyika yakanga yakakamurana; munun'una wake ainzi Jokitani.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ebheru akabereka vana vakomana vaviri: mumwe ndiPeregi (nokuti panguva yake nyika yakanga yakamuraniswa.) Munun'una wake ainzi Jokitani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ebheri akaberekerwa vanakomana vaviri, zita romumwe raiva Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; zita romunun'una wake raiva Jokitani.
Shona 2009?
Ebheri akaberekerwa vanakomana vaviri, zita romumwe raiva Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa, zita romunun'una wake raiva Jokitani.
Shona SUB 2002 Bible
Ebheri akaberekerwa vanakomana vaviri, zita romumwe raiva Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; zita romunun'una wake raiva Jokitani.