1 Chronicles 1:46 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hushami akafa, Hadadi mŋanakomana waBedadi, wakaɗeya kuʋuraya Midiani pamunda waMoabi, akamuteʋera paʋushe; zita reguta rake raiʋa Aviti.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hushami paakafa, Hadhadhi mwanakomana waBedhadhi uyo akakunda Midhiani munyika yaMoabhu akamutevera paumambo. Guta rake rainzi Avhiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakafawo Hushamu, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi akakurira vaMidhiani vaya kunyika yeMoabhu ndiye akatonga panzvimbo pake. Zita reguta rake rainzi Avhiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hushani akafa, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, wakadeya kuuraya Midhiani pamunda waMoabhi, akamutevera pahushe; zita reguta rake raiva Avhiti.
Shona 2009?
Hushani akafa, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, wakadeya kuuraya Midhiani pamunda waMoabhi, akamutevera paushe; zita reguta rake raiva Avhiti
Shona SUB 2002 Bible
Hushani akafa, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, wakadeya kuuraya Midhiani pamunda waMoabhu, akamutevera pahushe; zita reguta rake raiva Avhiti.