1 Chronicles 10:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
mhare dzose dzikasimuka, ʋakabvisa citunha caSauro neɀitunha ɀaʋanakomana ʋake ʋakaenda naɀo Jabeshi, ʋakaʋiga mafupa aʋo pasi pomuouki paJabeshi, ʋakaɀinyima ɀokudya mazuʋa manomŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
mhare dzose dzakasimuka dzikandotora zvitunha zvaSauro, navanakomana vake vakauya nazvo kuJabheshi vakaviga mapfupa avo pamuti mukuru weJabheshi uye vakatsanya kwamazuva manomwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
varume vokwavo vose magamba ehondo, vakasimuka vakasvikotora chitunha chaSauro nezvavanakomana vake vakadzokera nazvo kuJabheshi. Vakaviga mapfupa avo pasi pomuti womuoku muJabheshi vakatsanya kwamazuva manomwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mhare dzose dzikasimuka, vakabvisa chitunha chaSauro nezvitunha zvavanakomana vake vakaenda nazvo Jabheshi, vakaviga mapfupa avo pasi pomuoki paJabheshi, vakazvinyima zvokudya mazuva manomwe.
Shona 2009?
mhare dzose dzikasimuka, vakabvisa chitunha chaSauro nezvitunha zvavanakomana vake vakaenda nazvo Jabheshi, vakaviga mapfupa avo pasi pomuoki paJabheshi, vakatsanya mazuva manomwe.
Shona SUB 2002 Bible
mhare dzose dzikasimuka, vakabvisa chitunha chaSauro nezvitunha zvavanakomana vake vakaenda nazvo Jabheshi, vakaviga mapfupa avo pasi pomuoki paJabheshi, vakazvinyima zvokudya mazuva manomwe.