1 Chronicles 10:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Sauro akati kumuɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo: Vomora munondo wako, undiɓaye nawo, kuti aʋa ʋasina‐kudziŋgiswa ʋarege kuȿika ʋandiɗaɗire. Asi muɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakaramba, nokuti wakaŋga acitya kwaɀo. Naiɀoɀo Sauro akatora munondo wake, akaɀiwisira pauri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sauro akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa, “Vhomora munondo wako undibaye nawo kuti varume ava vasina kudzingiswa varege kuuya vakanditambudza.” Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa akatya kwazvo akasada kuzviita; saka Sauro akatora munondo wake akazviwisira pauri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo Sauro akati kune wokumutakurira zvombo zvehondo, “Buritsa bakatwa rako muhara undibaye naro, vangadaro vanhu ava vasina kudzingiswa vakauya vakandiita zvavo chiseko.” Asi wokumutakurira zvombo zvehondo uyu akaramba nokuti akatya kwazvo. Sauro ndokubva atora bakatwa rake pachake ndokuzviwisira pariri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Sauro akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Vhomora munondo wako, undibaye nawo, kuti ava vasina kudzingiswa varege kusvika vandidadire.” Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakaramba, nokuti akanga achitya kwazvo. Naizvozvo Sauro akatora munondo wake, akazviwisira pauri.
Shona 2009?
Ipapo Sauro akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, "Vhomora munondo wako, undibaye nawo, kuti ava vasina kudzingiswa varege kusvika vandidadire." Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakaramba, nokuti akanga achitya kwazvo. Naizvozvo Sauro akatora munondo wake, akazviwisira pauri.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Sauro akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Vhomora munondo wako, undibaye nawo, kuti ava vasina kudzingiswa varege kusvika vandidadire.” Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakaramba, nokuti akanga achitya kwazvo. Naizvozvo Sauro akatora munondo wake, akazviwisira pauri.