1 Chronicles 10:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarume ʋose ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋagere pamupata uyo, ʋakati ʋaciʋona kuti ʋatiza, ʋuye kuti Sauro naʋanakomana ʋake ʋafa, iʋo ʋakabva pamaguta aʋo, ʋakatiza; ʋaFiristia ʋakaȿika ʋakagara’mo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vaIsraeri vose vakanga vagere pamupata vakati vaona kuti varwi vose vatiza uyezve Sauro navanakomana vake vatatu vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. Uye vaFiristia vakauya vakagara maari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vose veIsiraeri vaiva mubani pavakaona kuti vatiza kudaro uyewo kuti Sauro navana vake vakomana vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. VaFirisitia vakaenda vakagaramo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varume vose vaIsiraeri, vakanga vagere pamupata uyo, vakati vachiona kuti vatiza, uye kuti Sauro navanakomana vake vafa, ivo vakabva pamaguta avo, vakatiza; vaFirisitia vakasvika vakagaramo.
Shona 2009?
Zvino varume vose valsiraeri, vakanga vagere pamupata uyo, vakati vachiona kuti vatiza, uye kuti Sauro navanakomana vake vafa, ivo vakabva pamaguta avo, vakatiza; vaFirisitia vakasvika vakagaramo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varume vose VaIsiraeri, vakanga vagere pamupata uyo, vakati vachiona kuti vatiza, uye kuti Sauro navanakomana vake vafa, ivo vakabva pamaguta avo, vakatiza; vaFirisitia vakasvika vakagaramo.