1 Chronicles 11:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndiʋo ʋakuru ʋaʋarume ʋanesimba ʋaiʋa naDavidi, ʋaimusimbisa paʋushe bgake, pamŋe cete naʋaIsraeri ʋose, kuti ʋamugadze aʋe mambo, seɀakarebga naJehova pamsoro paIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ava ndivo vaiva vakuru pakati pavarume voumhare vaiva naDhavhidhi, avo pamwe chete neIsraeri yose, vakatsigira umambo hwake zvakasimba kuti husvike munyika yose sokuvimbisa kwakanga kwaita Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino vano ava ndivo vakuru vakuru vemagamba aDhavhidhi okurwa hondo vaimutsigira kwazvo muumambo hwake pamwechete neIsiraeri yose kuti ave mambo sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nezveIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndivo vakuru vavarume vane simba vaiva naDhavhidhi, vaimusimbisa paushe hwake, pamwechete navaIsiraeri vose, kuti vamugadze ave mambo, sezvakarehwa naJehovha pamusoro paIsiraeri.
Shona 2009?
Zvino ndivo vakuru vavarume vane simba vaiva naDhavhidhi, vaimusimbisa paushe hwake, pamwechete navaIsiraeri vose, kuti vamugadze ave mambo, sezvakarehwa naJehovha pamusoro palsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndivo vakuru vavarume vane simba vaiva naDhavhidhi, vaimusimbisa paushe hwake, pamwechete naVaIsiraeri vose, kuti vamugadze ave mambo, sezvakarehwa naJehovha pamusoro paIsiraeri.