1 Chronicles 11:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akati: Mŋari waŋgu ŋgaandidziʋise, ndirege kuita cinhu ici! Ndiŋganwa ropa raʋarume aʋa ʋakaenda ʋasiŋgaraŋgariri ʋupenyu bgaʋo here? Nokuti ʋakaʋuya nayo ʋasiŋgaraŋgariri ʋupenyu bgaʋo. Naiɀoɀo akaramba kuinwa. Ndiɀo ɀakaitwa nemhare idzo nhatu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akati, “Mwari ngaandidzivise ndiregere kunwa izvi! Ndinganwa here ropa ravarume ava vaenda vachiisa upenyu hwavo panjodzi?” Nokuti vakaisa upenyu hwavo panjodzi kuti vadzoke vanayo, Dhavhidhi akaramba kuinwa. Aya ndiwo mamwe amabasa okukunda akaitwa navarume voumhare vatatu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
achiti, “NaMwari wangu chaiye, handifanire kumbofa ndakaita chinhu chakadai. Iropaka iri upenyuka uhu hwavanhu vaendako, nokuti vatopinzaka ava upenyu hwavo munjodzi.” Naizvozvo akaramba kuinwa. Izvozvi izvi ndizvo zvakaitwa namagamba matatu aya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akati, “Mwari wangu ngaandidzivise, ndirege kuita chinhu ichi! Ndinganwa ropa ravarume ava vakaenda vasingarangariri upenyu hwavo here? Nokuti vakauya nayo vasingarangariri upenyu hwavo.” Naizvozvo akaramba kuinwa. Ndizvo zvakaitwa nemhare idzo nhatu.
Shona 2009?
akati, "Mwari wangu ngaandidzivise, ndirege kuita chinhu ichi! Ndingamwa ropa ravarume ava vakaenda vasingarangariri upenyu hwavo here? Nokuti vakauya nayo vasingarangariri upenyu hwavo." Naizvozvo akaramba kuimwa. Ndizvo zvakaitwa nemhare idzo nhatu.
Shona SUB 2002 Bible
akati, “Mwari wangu ngaandidzivise, ndirege kuita chinhu ichi! Ndinganwa ropa ravarume ava vakaenda vasingarangariri upenyu hwavo here? Nokuti vakauya nayo vasingarangariri upenyu hwavo.” Naizvozvo akaramba kuinwa. Ndizvo zvakaitwa nemhare idzo nhatu.