1 Chronicles 11:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kare, kunyaŋge Sauro akaŋga ari mambo, ndimi maiɓuɗa nokupinda naIsraeri; Jehova Mŋari wenyu akati kwamuri: Iwe ucafudza ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, nokuʋa mutuŋgamiriri waIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kare kunyange Sauro paaiva mambo ndimi maitungamirira Israeri kundorwa. Uye Jehovha Mwari wenyu akati kwamuri, ‘Uchafudza vanhu vangu vaIsraeri uye uchava mutongi wavo.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kare kaya, kunyange Sauro paakanga achiri mambo, ndimi maimhanya-mhanya nebasa rokutungamiririra Isiraeri kuhondo uyewo Tenzi, Mwari wenyu akakutii, ‘Imi ndimi muchava mufudzi wavanhu vangu vaIsiraeri, muchava ishe weIsiraeri.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kare, kunyange Sauro akanga ari mambo, ndimi maibuda nokupinda naIsiraeri; Jehovha Mwari wenyu akati kwamuri, ‘Iwe uchafudza vanhu vangu vaIsiraeri, nokuva mutungamiriri waIsiraeri.’ ”
Shona 2009?
Kare, kunyange Sauro akanga ari mambo, ndimi maibuda nokupinda naIsiraeri; Jehovha Mwari wenyu akati kwamuri, `Iwe uchafudza vanhu vangu valsiraeri, nokuva mutungamiriri "
Shona SUB 2002 Bible
Kare, kunyangwe Sauro akanga ari mambo, ndimi maibuda nokupinda naIsiraeri; Jehovha Mwari wenyu akati kwamuri, ‘Iwe uchafudza vanhu vangu VaIsiraeri, nokuva mutungamiriri waIsiraeri.’ ”