1 Chronicles 11:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Benaya mŋanakomana waJehoyada, mŋanakomana wemhare weKabzeeri, wakaŋga aita maɓasa makuru, iye wakaʋuraya ʋanakomana ʋaʋiri ʋaArieri waMoabi, akandoʋuraya ʋo shumba mukati mehunza paŋguʋa yecando.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva murwi woumhare aibva kuKabhizeeri, akaita mabasa, makuru. Akauraya mhare mbiri dzapamusoro dzavaMoabhu. Akapindawo mugomba mumwe musi kuine chando akauraya shumba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha wokuKabhuzieri ndiyewo aiva rimwe gamba rokurwa, nyakuita mabasa makuru kwazvo. Akauraya shumba chaidzo dzavanhu vaviri vokuMoabhu. Akapindawo mugomba akauraya shumba musi wakanga wadonha chando.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare weKabhizeeri, akanga aita mabasa makuru, iye akauraya vanakomana vaviri vaArieri waMoabhi, akandourayawo shumba mukati mehunza panguva yechando.
Shona 2009?
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare weKabhizeeri, akanga aita mabasa makuru, iye akauraya vanakomana vaviri vaArieri waMoabhi, akandourayawo shumba mukati mehunza panguva yechando.
Shona SUB 2002 Bible
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare weKabhizeeri, akanga aita mabasa makuru, iye akauraya vanakomana vaviri vaArieri waMoabhu, akandourayawo shumba mukati mehunza panguva yechando.