1 Chronicles 11:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Davidi akati: Unotaŋga kuɓaya ʋaJebusi ndiye ucaʋa mutuŋgamiriri nomukuru. Ɀino Joabi mŋanakomana waZeruya akataŋga kukwira, akaitwa mutuŋgamiriri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akanga ati, “Achatungamirira kundorwisa vaJebhusi ndiye achava mukuru wavarwi.” Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye akatanga kuenda saka akapiwa utungamiri hwacho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akati, “Anenge angoita wokutanga kurwisa vaJebhusi ndiye achava changamire nomutungamiriri wehondo.” Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye akabva ava wokutanga kukwirako nokudaro akabva ava changamire.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Dhavhidhi akati, “Anotanga kubaya vaJebhusi ndiye achava mutungamiriri nomukuru wehondo.” Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kukwira, akaitwa mutungamiriri wehondo.
Shona 2009?
Ipapo Dhavhidhi akati, "Anotanga kubaya vaJebhusi ndiye achava mutungamiriri nomukuru wehondo." Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kukwira, akaitwa mutungamiriri wehondo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Dhavhidhi akati, “Anotanga kubaya VaJebhusi ndiye achava mutungamiriri nomukuru wehondo.” Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kukwira, akaitwa mutungamiriri wehondo.