1 Chronicles 12:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akaɓuɗa akasoŋgana naʋo, akapindura, akati kwaʋari: Kana maʋuya kwandiri norugare kuzondiɓatsira, mŋoyo waŋgu ucaʋa nemi; asi kana maʋuya kuzondinyeŋgera, kundiisa kuʋadziʋisi ʋaŋgu, kunyaŋge ndisineɀakaipa pamaʋoko aŋgu, Mŋari wamadziɓaɓa eɗu ŋgaaɀiʋone, akutukei pamsoro paɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akaenda kundosangana navo akati kwavari, “Kana mauya kwandiri norugare, kuzondibatsira, ndakagadzirira kuti mubatane neni. Asi kana mauya kuzonditengesa kuvavengi vangu iwo maoko angu asina kuita zvechisimba, Mwari wamadzibaba edu ngaazvione uye akutongei.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akabuda kundosangana navo akavati, “Kana zvamauyira kuno kwandiri zvakanaka, ini nemi tichaita mwoyo mumwechete. Asi kana mavinga kuti muwane mandiisiro mumaoko evavengi vangu, ini maoko angu akachena, Mwari wemadzibaba edu ngaakuonei akudzorei.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akabuda akasangana navo, akapindura, akati kwavari, “Kana mauya kwandiri norugare kuzondibatsira, mwoyo wangu uchava nemi; asi kana mauya kuzondinyengera, kundiisa kuvadzivisi vangu, kunyange ndisine zvakaipa pamaoko angu, Mwari wamadzibaba edu ngaazvione, akutukei pamusoro pazvo.”
Shona 2009?
Dhavhidhi akabuda akasangana navo, akapindura, akati kwavari, "Kana mauya kwandiri norugare kuzondibatsira, moyo wangu uchava nemi; asi kana mauya kuzondinyengera, kundiisa kuvadzivisi vangu, kunyange ndisine zvakaipa pamaoko angu, Mwari wamadzibaba edu ngaazvione, akutukei pamusoro pazvo."
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akabuda akasangana navo, akapindura, akati kwavari, “Kana mauya kwandiri norugare kuzondibatsira, mwoyo wangu uchava nemi; asi kana mauya kuzondinyengera, kundiisa kuvadzivisi vangu, kunyangwe ndisine zvakaipa pamaoko angu, Mwari wamadzibaba edu ngaazvione, akutukei pamusoro pazvo.”