1 Chronicles 12:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mŋeya wakaʋuya pamsoro paAmasai waiʋa mukuru waʋanamakumi matatu, akati: Tiri ʋanhu ʋenyu, Davidi, tiri kurutiʋi rwenyu, mŋanakomana waJese! Rugare, rugare ŋgaruʋe nemi, rugare ŋgaruʋe naʋaɓatsiri ʋenyu; nokuti Mŋari wenyu unokuɓatsirai. Ipapo Davidi akaʋagamucira, akaʋaita ʋakuru ʋeɓoka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mweya wakauya pana Amasi mukuru waMakumi Matatu akati, “Haiwa Dhavhidhi, tiri vako! Haiwa mwanakomana waJese, tinewe! Kubudirira, kubudirira ngakuve kwauri, uye kubudirira ngakuve kuna vanokubatsira nokuti Mwari wako achakubatsira.” Saka Dhavhidhi akavagamuchira akavaita vatungamiri veboka ravarwi vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo Mweya wakaputira Amasai mutungamiriri wamakumi matatu avanhu aya iye ndokuti, “Tiri venyu isu vaDhavhidhi Tinemi isu mwana waJese! Rugare ngaruve nemi! Uye dai rugare rwangovawo nemi, navanokubatsirai ngavavewo norugare, nokuti Mwari wenyu anokubatsirai!” Dhavhidhi akazovagamuchira akavaita vakuru vakuru vezvikwata zvehondo yake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mweya wakauya pamusuro paAmasai aiva mukuru wavana makumi matatu, akati, “Tiri vanhu venyu, Dhavhidhi, tiri kurutivi rwenyu, mwanakomana waJese! Rugare, rugare ngaruve nemi, rugare ngaruve navabatsiri venyu; nokuti Mwari wenyu anokubatsirai.” Ipapo Dhavhidhi akavagamuchira, akavaita vakuru veboka.
Shona 2009?
Ipapo mweya wakauya pamusuro paAmasai aiva mukuru wavana makumi matatu, akati, "Tiri vanhu venyu, Dhavhidhi, tiri kurutivi rwenyu, mwanakomana waJese! Rugare, rugare ngaruve nemi, rugare ngaruve navabatsiri venyu; nokuti Mwari wenyu anokubatsirai." Ipapo Dhavhidhi akavagamuchira, akavaita vakuru veboka.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mweya wakauya pamusuro paAmasai aiva mukuru wavana makumi matatu, akati, “Tiri vanhu venyu, Dhavhidhi, tiri kurutivi rwenyu, mwanakomana waJese! Rugare, rugare ngaruve nemi, rugare ngaruve navabatsiri venyu; nokuti Mwari wenyu anokubatsirai.” Ipapo Dhavhidhi akavagamuchira, akavaita vakuru veboka.