1 Chronicles 12:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
KwaManase ʋo ʋakabva ʋamŋe, ʋakaenda kunaDavidi, ŋguʋa yaakaenda naʋaFiristia kundorwa naSauro, asi haʋana‐kuʋaɓatsira; nokuti madzishe aʋaFiristia akaraŋgana, akamudzosa, aciti: Ucatinyeŋgera, acienda kunatenzi wake Sauro, misoro yeɗu ikaʋa panjodzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vamwe varume vokwaManase vakabatana naDhavhidhi paakaenda navaFiristia kundorwisa Sauro. Iye navanhu vake havana kubatsira vaFiristia nokuti, vapedza kubvunzana, vatongi vavo vakamudzosa vakati, “Zvichatiurayisa kana akazotitiza akandobatana namambo wake Sauro.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vamwe varume vokwaManase vakapomokerawo kuna Dhavhidhi paakanga oti auye nevaFirisitia kuzorwisa Sauro. Zvakadaro zvazvo haana kuvabatsira nokuti vatongi vevaFirisitia vakazowirirana zvokuti adzoke zvake vachiti, “Kana zvikazotiipira munhu uyu anotisiya opomokera kuna tenzi wake Sauro.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
KwaManasewo vakabva vamwe, vakaenda kuna Dhavhidhi, nguva yaakaenda navaFirisitia kundorwa naSauro, asi havana kuvabatsira; nokuti madzishe avaFirisitia akarangana, akamudzosa, achiti, “Achatinyengera, achienda kunatenzi wake Sauro, misoro yedu ikava panjodzi.”
Shona 2009?
KwaManasewo vakabva vamwe, vakaenda kuna Dhavhidhi, nguva yaakaenda navaFirisitia kundorwa naSauro, asi havana kuvabatsira; nokuti madzishe avaFirisitia akarangana, akamudzosa, achiti, "Achatinyengera, achienda kunatenzi wake Sauro, misoro yedu ikava panjodzi."
Shona SUB 2002 Bible
KwaManasewo vakabva vamwe, vakaenda kuna Dhavhidhi, nguva yaakaenda navaFirisitia kundorwa naSauro, asi havana kuvabatsira; nokuti madzishe avaFirisitia akarangana, akamudzosa, achiti, “Achatinyengera, achienda kuna tenzi wake Sauro, misoro yedu ikava panjodzi.”