1 Chronicles 12:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kuʋana ʋaEfraimi ɀuru ɀinamakumi maʋiri namazana masere, ʋarume ʋanesimba noʋumhare, ʋakaŋga ʋanembiri padzimba dzamadziɓaɓa aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
varume vokwaEfuremu varwi vakashinga vaiva nomukurumbira kwazvo kumhuri dzavo vaiva zviuru makumi maviri namazana masere;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VokwaEfuremu: zviuru makumi maviri, mvumba chaidzo dzokurwa hondo, varume vaiva nomukurumbira mudzimba dzemadzibaba avo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kuvana vaEfuraimu zviuru zvina makumi maviri namazana masere, varume vane simba noumhare, vakanga vane mbiri padzimba dzamadzibaba avo.
Shona 2009?
Kuvana vaEfuraimu zviuru zvina makumi maviri namazana masere, varume vane simba noumhare, vakanga vane mbiri padzimba dzamadzibaba avo.
Shona SUB 2002 Bible
Kuvana vaEfuraimu zviuru zvina makumi maviri namazana masere, varume vane simba noumhare, vakanga vane mbiri padzimba dzamadzibaba avo.