1 Chronicles 12:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
KuʋaZeburuni, aʋo ʋaigona kufamba namapoka, nokugona kuroŋgedza hondo, ʋakaɓata nhumbi dzose dzokurwa nadzo, ʋaiʋa neɀuru ɀinamakumi mashanu; ʋaigona kurwa ʋasinemŋoyo miʋiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
varume vokwaZebhuruni, varwi vaiziva, vakanga vakagadzirira kurwa nezvombo zvemhando dzose, vakauya kuzobatsira Dhavhidhi nomwoyo wakaperera, vaiva zviuru makumi mashanu;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VokwaZebhuruni: vaiva makumi mashanu ezviuru vaikwanisa kuenda kuhondo, vakapakata zvombo zvehondo zvemhando nemhando vaine mwoyo mumwechete kuzoita chirwirangwe kubatsira Dhavhidhi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
KuvaZebhuruni, avo vaigona kufamba namapoka, nokugona kurongedza hondo, vakabata nhumbi dzose dzokurwa nadzo, vaiva nezviuru zvina makumi mashanu; vaigona kurwa vasine mwoyo miviri.
Shona 2009?
KuvaZebhuruni, avo vaigona kufamba namapoka, nokugona kurongedza hondo, vakabata nhumbi dzose dzokurwa nadzo, vaiva nezviuru zvina makumi mashanu; vaigona kurwa vasine moyo miviri.
Shona SUB 2002 Bible
KuvaZebhuruni, avo vaigona kufamba namapoka, nokugona kurongedza hondo, vakabata nhumbi dzose dzokurwa nadzo, vaiva nezviuru zvina makumi mashanu; vaigona kurwa vasina mwoyo miviri.