1 Chronicles 13:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Areka yaMŋari ikagara pamhuri yaObedi‐edomi mumba make mŋedzi mitatu; Jehova akaropafadza imba yaObedi‐edomi neɀose ɀaakaŋga anaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Areka yaMwari yakasara mumhuri yaObhedhi-Edhomu muimba yake kwemwedzi mitatu, uye Jehovha akaropafadza imba yake nezvose zvaakanga anazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bhokisi raMwari rechitenderano rakagara mumba maObhedhiedhomu muGiti kwemwedzi mitatu. Tenzi akabvawo akomborera mhuri yaObhedhiedhomu nezvaaiva nazvo zvose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Areka yaMwari ikagara pamhuri yaObhedhiEdhomu mumba make mwedzi mitatu; Jehovha akaropafadza imba yaObhedhiEdhomu nezvose zvaakanga anazvo.
Shona 2009?
Areka yaMwari ikagara pamhuri yaObhedhi-Edhomu mumba make mwedzi mitatu; Jehovha akaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvaakanga anazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Areka yaMwari ikagara pamhuri yaObhedhiEdhomu mumba make mwedzi mitatu; Jehovha akaropafadza imba yaObhedhiEdhomu nezvose zvaakanga anazvo.