1 Chronicles 13:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akati kuʋuŋgano yose yaIsraeri: Kana imi muciti ɀakanaka, ʋuye kana ɀicibva kunaJehova Mŋari weɗu, ŋgatitume shoko kwose kuhama dzeɗu dzakasara munyika yose yaIsraeri, nokuʋaprista naʋaRevi ʋari mumaguta aʋo anamafuro, kuti ʋaʋuŋgane nesu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati kuungano yose yeIsraeri, “Kana zvichiita sezvakakunakirai uye kana kuri kuda kwaJehovha Mwari wedu, ngatitumirei shoko kwose kwose kuhama dzedu dzakasara munyika yose yeIsraeri, nokuvaprista navaRevhi vavagere navo mumaguta avo nokumafuro avo kuti vauye vazobatana nesu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akati kugungano rose reIsiraeri, “Kana imi muchizviona kuti zvakanaka uye kuti kana chiricho chido chaTenzi, Mwari wedu, ngatitumirei shoko kuhama dzedu dzakasara munyika yeIsiraeri yose nokuvapristi navaRevhi vari mumaguta ane mafuro awo kuti vauye tiungane pamwechete,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akati kuungano yose yaIsiraeri, “Kana imi muchiti zvakanaka, uye kana zvichibva kuna Jehovha Mwari wedu, ngatitume shoko kwose kuhama dzedu dzakasara munyika yose yaIsiraeri, nokuvapristi navaRevhi vari mumaguta avo anamafuro, kuti vaungane nesu;
Shona 2009?
Dhavhidhi akati kuungano yose yaIsiraeri, "Kana imwi muchiti zvakanaka, uye kana zvichibva kuna Jehovha Mwari wedu, ngatitume shoko kose kuhama dzedu dzakasara munyika yose yalsiraeri, nokuvaprista navaRevhi vari mumaguta avo anamafuro, kuti vaungane nesu;
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akati kuungano yose yaIsiraeri, “Kana imi muchiti zvakanaka, uye kana zvichibva kuna Jehovha Mwari wedu, ngatitume shoko kwose kuhama dzedu dzakasara munyika yose yaIsiraeri, nokuvapristi navaRevhi vari mumaguta avo ana mafuro, kuti vaungane nesu;