1 Chronicles 14:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akabvunza Jehova, akati: Ndokwira kundorwa naʋaFiristia here? Mucaʋaisa mumaʋoko aŋgu here? Jehova akati kunaDavidi: Kwira, nokuti ndicaʋaisa mumaʋoko ako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
saka Dhavhidhi akabvunza kuna Mwari akati, “Ndingaenda here kundorwisa vaFiristia? Mungavaisa mumaoko angu here?” Jehovha akapindura akati, “Enda ndichavaisa mumaoko ako.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akada kuziva kuti Mwari anotii nazvo akati, “Ndoenda here kundorwisa vaFirisitia ava? Muchavaisa mumaoko angu here?” Tenzi akamuti, “Enda zvako nokuti ndichaisa vaFirisitia mumaoko ako.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akati, “Ndokwira kundorwa navaFirisitia here? Muchavaisa mumaoko angu here?” Jehovha akati kuna Dhavhidhi, “Kwira, nokuti ndichavaisa mumaoko ako.”
Shona 2009?
Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akati, "Ndokwira kundorwa navaFirisitia here? Muchavaisa mumaoko angu here?" Jehovha akati kuna Dhavhidhi, " Kwira, nokuti ndichavaisa mumaoko ako."
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akati, “Ndokwira kundorwa navaFirisitia here? Muchavaisa mumaoko angu here?” Jehovha akati kuna Dhavhidhi, “Kwira, nokuti ndichavaisa mumaoko ako.”