1 Chronicles 14:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaFiristia ʋakati ʋanzwa kuti Davidi wazodzwa kuti aʋe mambo waʋaIsraeri ʋose, ʋaFiristia ʋose ʋakakwira kundotȿaka Davidi; Davidi akaɀinzwa, akaɓuɗa kuzorwa naʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaFiristia pavakanzwa kuti Dhavhidhi akanga agadzwa kuti ave mambo weIsraeri, vakaenda nehondo yose kundomutsvaga, asi Dhavhidhi akazvinzwa akabuda kundosangana navo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaFirisitia pavakanzwa kuti Dhavhidhi agadzwa umambo hwokuIsiraeri yose, vaFirisitia vose vakaenda kundovhima Dhavhidhi. Asi zvakasvika munzeve dzaDhavhidhi akabva abuda kundovarwisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vaFirisitia vakati vanzwa kuti Dhavhidhi azodzwa kuti ave mambo wavaIsiraeri vose, vaFirisitia vose vakakwira kundotsvaka Dhavhidhi; Dhavhidhi akazvinzwa, akabuda kuzorwa navo.
Shona 2009?
Zvino vaFirisitia vakati vanzwa kuti Dhavhidhi azodzwa kuti ave mambo wavaIsiraeri vose, vaFirisitia vose vakakwira kundotsvaka Dhavhidhi; Dhavhidhi akazvinzwa, akabuda kuzorwa navo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vaFirisitia vakati vanzwa kuti Dhavhidhi azodzwa kuti ave mambo waVaIsiraeri vose, vaFirisitia vose vakakwira kundotsvaka Dhavhidhi; Dhavhidhi akazvinzwa, akabuda kuzorwa navo.