1 Chronicles 15:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaʋari: Ndimi ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋaRevi; ciɀinatsai imi nehama dzenyu, kuti mukwire neareka yaJehova Mŋari waIsraeri, kunɀimbo yandakaigadzirira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati kwavari, “Imi muri vakuru vemhuri dzava Revhi, imi navamwe vaRevhi vose munofanira kuzvinatsa kuti mukwire neareka yaJehovha Mwari weIsraeri kunzvimbo yandakaigadzirira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
akati kwavari, “Imika ndimi vatungamiriri vedzimba dzedzinza rokwaRevhi chizvichenurai imimi nehama dzenyu kuitira kuti mundotakura bhokisi rechitenderano raTenzi, Mwari weIsiraeri muuye naro panzvimbo yandakarigadzirira
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwavari, “Ndimi vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi; chizvinatsai imi nehama dzenyu, kuti mukwire neareka yaJehovha Mwari waIsiraeri, kunzvimbo yandakaigadzirira.
Shona 2009?
Akati kwavari, "Ndimi vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi; chizvinatsai imwi nehama dzenyu, kuti mukwire neareka yaJehovha Mwari waIsiraeri, kunzvimbo yandakaigadzirira.
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwavari, “Ndimi vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi; chizvinatsai imi nehama dzenyu, kuti mukwire neareka yaJehovha Mwari waIsiraeri, kunzvimbo yandakaigadzirira.