1 Chronicles 17:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokubva pazuʋa randakaraira ʋatoŋgi kuti ʋaɓate ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri; ʋuye ndicakunda ʋaʋeŋgi ʋako ʋose. Ʋuye ndinokuʋudza kuti Jehova ucakumisira imba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye sezvavakaita kubvira panguva yandakagadza vatungamiri vavanhu vangu Israeri. Ndichakundawo vavengi venyu vose. Ndinokuudza kuti Jehovha achakuvakira imba:
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kubvira panguva yandaisarudzira vanhu vangu vaIsiraeri vatongi. Ndichaisa vavengi vako vose pasi pako. Uyewo Tenzi anoti kwauri iye Tenzi ndiye achatokuvakira imba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokubva pazuva randakaraira vatongi kuti vabate vanhu vangu vaIsiraeri; uye ndichakunda vavengi vako vose. Uye ndinokuudza kuti Jehovha achakumisira imba.’
Shona 2009?
nokubva pazuva randakaraira vatongi kuti vabate vanhu vangu valsiraeri; uye ndichakunda vavengi vako vose. Uye ndinokuudza kuti Jehovha achakumisira imba.'
Shona SUB 2002 Bible
nokubva pazuva randakaraira vatongi kuti vabate vanhu vangu VaIsiraeri; uye ndichakunda vavengi vako vose. Uye ndinokuudza kuti Jehovha achakumisira imba.’