1 Chronicles 17:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi cinhu ici cakaŋga ciri ciɗuku pamberi penyu, Mŋari, asi makataura pamsoro peimba yomuranda wenyu kuȿikira paŋguʋa huru inozoʋuya, mukandiitira seɀinoitirwa munhu unokudzwa kwaɀo, Jehova Mŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye sokuti izvi hazvina kukwana pamberi penyu, haiwa Mwari, mataurazve nezveramangwana reimba yomuranda wenyu. Mandiona sokunge ndini ndinokudzwa kupinda vanhu vose, imi Jehovha Mwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sokunge izvozvi zvisina kukwana kwamuri imi Mwari, masvika pokutotaura nezvichazoitika mangwana, namangwana ayo kumhuri yeni muranda wenyu. Ndiwo maitiro enyu here iwaya kuvanhu nhai Tenzi Mwari!
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi chinhu ichi chakanga chiri chiduku pamberi penyu, Mwari, asi makataura pamusoro peimba yomuranda wenyu kusvikira panguva huru inozouya, mukandiitira sezvinoitirwa munhu anokudzwa kwazvo, Jehovha Mwari.
Shona 2009?
"Asi chinhu ichi chakanga chiri chiduku pamberi penyu, Mwari, asi makataura pamusoro peimba yomuranda wenyu kusvikira panguva huru inozouya, mukandiitira sezvinoitirwa munhu anokudzwa kwazvo, Jehovha Mwari.
Shona SUB 2002 Bible
“Asi chinhu ichi chakanga chiri chiduku pamberi penyu, Mwari, asi makataura pamusoro peimba yomuranda wenyu kusvikira panguva huru inozouya, mukandiitira sezvinoitirwa munhu anokudzwa kwazvo, Jehovha Mwari.