1 Chronicles 17:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Rumŋe rudzi ruripiko panyika rwakafanana naʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, ʋakandodzikinurwa naMŋari, ʋaʋe ʋanhu ʋake, kuti imi mukurumbire neɀinhu ɀikuru neɀinotyisa, ɀamakadziŋga ndudzi pamberi paʋanhu ʋenyu, ʋamakadzikinura paEgipita?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye ndiani akaita savanhu venyu Israeri, rudzi rumwe chete panyika runa Mwari warwo akaenda kundozvidzikinurira vanhu, kuti azviitire zita, uye kuti aite zvishamiso zvikuru zvinotyisa, nokudzinga ndudzi kubva pamberi pavanhu venyu vamakadzikinura kubva kuIjipiti?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndiani pasi pano akaita savanhu venyu vaIsiraeri rudzi runoti Mwari anoenda kundozvinunurira zvake kuti vave vanhu vake uye kuti mbiri yezita renyu idhume achivaitira mabasa makuru anotyisa nokudzingira kunze marudzi kuitira vanhu vake ivavo vaakanunura kuIjipiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Rumwe rudzi ruripiko panyika rwakafanana navanhu venyu vaIsiraeri, vakandodzikinurwa naMwari, vave vanhu vake, kuti imi mukurumbire nezvinhu zvikuru nezvinotyisa, zvamakadzinga ndudzi pamberi pavanhu venyu, vamakadzikinura paIjipiti?
Shona 2009?
Rumwe rudzi ruripiko panyika rwakafanana navanhu venyu vaIsiraeri, vakandodzikunurwa naMwari, vave vanhu vake, kuti imwi mukurumbire nezvinhu zvikuru nezvinotyisa, zvamakadzinga ndudzi pamberi pavanhu venyu, vamakadzikunura paljipiti?
Shona SUB 2002 Bible
Rumwe rudzi ruripiko panyika rwakafanana navanhu venyu VaIsiraeri, vakandodzikinurwa naMwari, vave vanhu vake, kuti imi mukurumbire nezvinhu zvikuru nezvinotyisa, zvamakadzinga ndudzi pamberi pavanhu venyu, vamakadzikinura paIjipiti?