1 Chronicles 17:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndikaʋa newe pose pawakafamba, ndikaparadza ʋaʋeŋgi ʋako ʋose pamberi pako; ndicakuitira zita riŋgafanana namazita aʋakuru ʋari panyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakanga ndinewe kwose kwawaienda uye ndakauraya vavengi vako vose pamberi pako. Zvino ndichaita kuti zita rako rive samazita avarume vakuru kwazvo panyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndaiva ndinewe kwose kwawaifamba ndikafanoparadza vavengi vako vose. Zvino ndichaita kuti zita rako rive nomukurumbira sezvakangoita mazita avakuru vakuru vepanyika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ndikava newe pose pawakafamba, ndikaparadza vavengi vako vose pamberi pako; ndichakuitira zita ringafanana namazita avakuru vari panyika.
Shona 2009?
ndikava newe pose pawakafamba, ndikaparadza vavengi vako vose pamberi pako; ndichakuitira zita ringafanana namazita avakuru vari panyika.
Shona SUB 2002 Bible
ndikava newe pose pawakafamba, ndikaparadza vavengi vako vose pamberi pako; ndichakuitira zita ringafanana namazita avakuru vari panyika.