1 Chronicles 17:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicagadzirira ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri nɀimbo, ndicaʋasima, ʋagare panɀimbo yaʋo, ʋarege kubviswa ɀe; naʋakaipa haʋaŋgaʋaparadzi ɀe sapakutaŋga,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye ndichapa nzvimbo kuvanhu vangu Israeri uye ndichavadyara kuti vave nomusha wavo pachavo uye kuti vasazokanganiswa. Vanhu vakaipa havangazovadzvinyiriri zvakare sazvaakavaita pakutanga
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinotsvakira vanhu vangu vaIsiraeri pokugara ndovasimapo kuti vagarewo zvavo pavo, vasisambofuruswa vaipi vasisambovapfuvisa sezvavaiita kare
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichagadzirira vanhu vangu vaIsiraeri nzvimbo, ndichavasima, vagare panzvimbo yavo, varege kubviswazve; navakaipa havangavaparadzizve sapakutanga,
Shona 2009?
Ndichagadzirira vanhu vangu valsiraeri nzvimbo, ndichavasima, vagare panzvimbo yavo, varege kubviswazve; navakaipa havangavaparadzizve sapakutanga,
Shona SUB 2002 Bible
Ndichagadzirira vanhu vangu VaIsiraeri nzvimbo, ndichavasima, vagare panzvimbo yavo, varege kubviswazve; navakaipa havangavaparadzizve sapakutanga,