1 Chronicles 18:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
NapaTibhati napaKuni, maguta aHadarezeri, Davidi wakatora ndarira zhinji kwaɀo, Soromoni yaakazoita nayo dziʋa rendarira, nembiru, nemidziyo yendarira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva kuTebha nokuKuni, maguta aHadhadhezeri, Dhavhidhi akatora ndarira zhinji, yakazoshandiswa naSoromoni kugadzira gungwa rendarira, nembiru uye nezvimwe zvinhu zvakasiyana-siyana zvakazogadzirwa nendarira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akakukuchawo ndarira yakawanda kwazvo kuTibhati nokuKuni, maguta aHadhadhiezeru. Ndiyo yakazogadziriswa naSoromoni zibhavhu rendarira riya ziguruguru nembiru nemidziyo yendarira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
NapaTibhati napaKuni, maguta eHadharezeri, Dhavhidhi akatora ndarira zhinji kwazvo, Soromoni yaakazoita nayo dziva rendarira, nembiru, nemidziyo yendarira.
Shona 2009?
NapaTibhati napaKuni, maguta eHadharezeri, Dhavhidhi akatora ndarira zhinji kwazvo, Soromoni yaakazoita nayo dziva rendarira, nembiru, nemidziyo yendarira.
Shona SUB 2002 Bible
NapaTibhati napaKuni, maguta eHadharezeri, Dhavhidhi akatora ndarira zhinji kwazvo, Soromoni yaakazoita nayo dziva rendarira, nembiru, nemidziyo yendarira.