1 Chronicles 19:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaSiria ʋakati ʋaciʋona kuti ʋakundwa naʋaIsraeri, ʋakatuma nhume, ʋakaɗana ʋaSiria ʋakaŋga ʋari mhiri kwoRwizi, ʋakatuŋgamirirwa naShofaki mukuru wehondo yaHadarezeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure mokunge vaAramu vaona kuti vakanga vakundwa neIsraeri vakatumira nhume kundokokorodza vamwe vaAramu mberi kweRwizi, Shofaki mutungamiri wehondo yaHadhadhezeri achivatungamirira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi vaSiria pavakaona kuti vakurirwa neIsiraeri, vakatumira nhume dzikauya navaSiria vokumhiri kwaYufuratesi vachitungamirirwa naShofaki mutungamiriri wehondo yaHadhadhiezeru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vaSiria vakati vachiona kuti vakundwa navaIsiraeri, vakatuma nhume, vakadana vaSiria vakanga vari mhiri kwoRwizi, vakatungamirirwa naShofaki mukuru wehondo yaHadharezeri.
Shona 2009?
Zvino vaSiria vakati vachiona kuti vakundwa navaIsiraeri, vakatuma nhume, vakadana vaSiria vakanga vari mhiri korwizi, vakatungamirirwa naShofaki mukuru wehondo yaHadharezeri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino VaSiria vakati vachiona kuti vakundwa naVaIsiraeri, vakatuma nhume, vakadana VaSiria vakanga vari mhiri kweRwizi, vakatungamirirwa naShofaki mukuru wehondo yaHadharezeri.