1 Chronicles 19:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akaʋudzwa iɀoɀo; akaʋuŋganidza ʋaIsraeri ʋose, ʋakayambuka Joridani, ʋakaȿika kwaʋari, akaɀigadzira kuzorwa naʋo. Ɀino Davidi wakati aɀigadzira kuzorwa naʋaSiria, iʋo ʋakarwa naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi paakaudzwa izvi, akaunganidza Israeri yose ndokuyambuka Jorodhani; akaswedera kwavari kundovarwisa uye akaronga mitsetse yehondo akatarisana navo. Dhavhidhi akaita kuti mitsetse yake isangane navaAramu muhondo uye ivo vakarwa naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi, akakokorodza Isiraeri yose pamwechete akayambuka Jorodhani akasvika kwavari, akaronga hondo yake kuti achivarwisa, Dhavhidhi paakanga aronga hondo yake kurwisa vaSiria, vakarwa naye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akaudzwa izvozvo; akaunganidza vaIsiraeri vose, vakayambuka Jorodhani, vakasvika kwavari, akazvigadzira kuzorwa navo. Zvino Dhavhidhi akati azvigadzira kuzorwa navaSiria, ivo vakarwa naye.
Shona 2009?
Dhavhidhi akaudzwa izvozvo; akaunganidza valsiraeri vose, vakayambuka Jorodhani, vakasvika kwavari, akazvigadzira kuzorwa navo. Zvino Dhavhidhi akati azvigadzira kuzorwa navaSiria, ivo vakarwa naye.
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akaudzwa izvozvo; akaunganidza VaIsiraeri vose, vakayambuka Jodhani, vakasvika kwavari, akazvigadzira kuzorwa navo. Zvino Dhavhidhi akati azvigadzira kuzorwa naVaSiria, ivo vakarwa naye.