1 Chronicles 19:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Davidi akati: Ndicaitira Hanuni mŋanakomana waNahashi ɀakanaka, seɀandakaitirwa ɀakanaka naɓaɓa ʋake. Naiɀoɀo Davidi akatuma nhume kumuɓata ruʋoko pamsoro paɓaɓa ʋake. Ʋaranda ʋaDavidi ʋakaȿika panyika yaʋana ʋaAmoni kunaHanuni, kuzomuɓata ruʋoko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akafunga akati, “Ndicharatidza mwoyo wakanaka kuna Hanuni mwanakomana waNahashi nokuti baba vake vakaratidza mwoyo wakanaka kwandiri.” Saka Dhavhidhi akatuma nhume kundonyaradza Hanuni pamusoro pababa vake. Vanhu vaDhavhidhi pavakasvika kuna Hanuni munyika yavaAmoni kuzomunyaradza,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akati, “Ndicharamba ndiine mwoyo wakanaka kuna Hanani mwanakomana waNahashi nokuti baba vake vakandiitirawo mwoyo wakanaka.” Saizvozvo Dhavhidhi akatuma nhume kundomubata maoko pamusana pababa vake. Makurukota aDhavhidhi akasvika kuna Hanuni munyika yavaAmoni kuzomubata maoko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhavhidhi akati, “Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi zvakanaka, sezvandakaitirwa zvakanaka nababa vake.” Naizvozvo Dhavhidhi akatuma nhume kumubata ruoko pamusoro pababa vake. Varanda vaDhavhidhi vakasvika panyika yavana vaAmoni kuna Hanuni, kuzomubata ruoko.
Shona 2009?
Zvino Dhavhidhi akati, "Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi zvakanaka, sezvandakaitirwa zvakanaka nababa vake." Naizvozvo Dhavhidhi akatuma nhume kumubata ruoko pamusoro pababa vake. Varanda vaDhavhidhi vakasvika panyika yavana vaAmoni kuna Hanuni, kuzomubata ruoko.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhavhidhi akati, “Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi zvakanaka, sezvandakaitirwa zvakanaka nababa vake.” Naizvozvo Dhavhidhi akatuma nhume kumubata ruoko pamusoro pababa vake. Varanda vaDhavhidhi vakasvika panyika yavana vaAmoni kuna Hanuni, kuzomubata ruoko.