1 Chronicles 19:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi macinda aʋana ʋaAmoni akati kunaHanuni ishe waʋo: Munofuŋga kuti Davidi unoɗo‐kukudza ɓaɓa ʋenyu, ɀaatuma ʋaɓati ʋoruʋoko kwamuri here? Ʋaranda ʋake haʋana‐kuʋuya kwamuri kunɀera, nokuputsa, nokushora nyika here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
machinda avaAmoni akati kuna Hanuni, “Unofunga here kuti Dhavhidhi ari kukudza baba vako nokutuma vanhu vake kuti vauye kuzokunyaradza? Vanhu vake havana kuuya kuzoshora nyika yedu here kuti vaitore?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi machinda avaAmoni akati kuna Hanuni, “Munofunga kuti izvozvi Dhavhidhi kukutumirai nhume kuzokubatai maoko kwaaita uku kuremekedza baba venyu nhai? Makurukota ake haana here kuuya kwamuri kuzoongorora nokukurira nokusora nyika ino?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi machinda avana vaAmoni akati kuna Hanuni ishe wavo, “Munofunga kuti Dhavhidhi anoda kukudza baba venyu, zvaatuma vabati voruoko kwamuri here? Varanda vake havana kuuya kwamuri kunzvera, nokuputsa, nokushora nyika here?”
Shona 2009?
Asi machinda avana vaAmoni akati kuna Hanuni ishe wavo, "Munofunga kuti Dhavhidhi anoda kukudza baba venyu, zvaatuma vabati voruoko kwamuri here? Varanda vake havana kuuya kwamuri kunzvera, nokuputsa, nokushora nyika here?"
Shona SUB 2002 Bible
Asi machinda avana vaAmoni akati kuna Hanuni ishe wavo, “Munofunga kuti Dhavhidhi anoda kukudza baba venyu, zvaatuma vabati voruoko kwamuri here? Varanda vake havana kuuya kwamuri kunzvera, nokuputsa, nokushora nyika here?”