1 Chronicles 19:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋamŋe ʋakandoʋudza Davidi ɀakaŋga ɀaitirwa ʋarume. Akatuma ʋanhu kusoŋgana naʋo, nokuti ʋarume ʋakaŋga ʋacinyara kwaɀo. Mambo akati: Garai henyu Jeriko kuȿikira ndebvu dzenyu dzamera ɀe, mugodzoka henyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe munhu akauya akaudza Dhavhidhi pamusoro pavarume ava, Dhavhidhi akatuma nhume kuti dzindosangana navo nokuti vakanga vanyadziswa kwazvo. Mambo akati, “Garai paJeriko kusvikira ndebvu dzenyu dzakura, mugozodzoka.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvavanhu ivavo, pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi, akatuma vanhu kundovachingura nokuti vakanga vachinyara zvikuru kwazvo. Mambo akati, “Imborambai muri kuJeriko ikoko kudzamara ndebvu dzenyu dzamera mugozoti modzoka kuno.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vamwe vakandoudza Dhavhidhi zvakanga zvaitirwa varume. Akatuma vanhu kusangana navo, nokuti varume vakanga vachinyara kwazvo. Mambo akati, “Garai henyu Jeriko kusvikira ndebvu dzenyu dzamerazve, mugodzoka henyu.”
Shona 2009?
Zvino vamwe vakandoudza Dhavhidhi zvakanga zvaitirwa varume. Akatuma vanhu kusangana navo, nokuti varume vakanga vachinyara kwazvo. Mambo akati, "Garai henyu Jeriko kusvikira ndebvu dzenyu dzamerazve, mugodzoka henyu."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vamwe vakandoudza Dhavhidhi zvakanga zvaitirwa varume. Akatuma vanhu kusangana navo, nokuti varume vakanga vachinyara kwazvo. Mambo akati, “Garai henyu Jeriko kusvikira ndebvu dzenyu dzamerazve, mugodzoka henyu.”