1 Chronicles 19:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakati ʋaciʋona kuti ʋaɀiʋeŋgesa naDavidi, Hanuni naʋana ʋaAmoni ʋakatuma matarenta esirveri anecuru cimŋe kuzoripira ŋgoro naʋataȿi ʋamabiza ʋanobva Mesopotamia, neArami‐maaka, neZoba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaAmoni vakati vaziva kuti vakanga vava chinhu chinonhuwa mumhino dzaDhavhidhi, Hanuni navaAmoni vakatumira chiuru chamatarendaa esirivha kuti vandokumbira ngoro navachairi vadzo kubva kuAramu Naharaimu, Aramu Maaka nokuZobha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaAmoni pavakaona kuti vatomutsa ruvengo naDhavhidhi Hanuni navaAmoni vakatumira mari yesirivha inorema makirogiramu zviuru makumi matatu ane zvina yokukwereta nayo ngoro dzehondo dzokumboshandisa pamwechete navachairi vadzo kuMesopotamia nokuAramaaka nokuZobha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vana vaAmoni vakati vachiona kuti vazvivengesa naDhavhidhi, Hanuni navana vaAmoni vakatuma matarenda esirivha ane chiuru chimwe kuzoripa ngoro navatasvi vamabhiza vanobva Mesopotamia, neArimimaaka, neZobha.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible