1 Chronicles 2:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanakomana ʋaJuda: Eri, naOnani, naShera; ʋanakomana aʋa ʋatatu wakaʋaɓerekerwa naBati‐shua muKanaani. Asi Eri, mŋana weɗaŋgwe waJuda, wakaŋga ari munhu wakaipa pamberi paJehova, akamuʋuraya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanakomana vaJudha vaiva: Eri, Onani naShera. Vatatu ava akavaberekerwa naShua mudzimai wechiKenani. Eri dangwe raJudha, akanga akaipa pamberi paJehovha. Saka Jehovha akamuuraya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanakomana vaJudha ndiEru naOnani naShera. Ivava vatatu kudaro ndovavakaberekerwa naBhatishua mukadzi wechiKanani. Asi pana Tenzi, Eru aiva munhu akanga akaipa mwoyo nezvo Tenzi akamuuraya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanakomana vaJudha: Eri, naOnani, naShera; vanakomana ava vatatu akavaberekerwa naBhatishua muKenani. Asi Eri, mwana wedangwe waJudha, akanga ari munhu akaipa pamberi paJehovha, akamuuraya.
Shona 2009?
Vanakomana vaJudha: Eri, naOnani, naShera; vanakomana ava vatatu akavaberekerwa naBhatishua muKenani. Asi Eri, mwana wedangwe waJudha, akanga ari munhu akaipa pamberi paJehovha, akamuuraya.
Shona SUB 2002 Bible
Vanakomana vaJudha: Eri, naOnani, naShera; vanakomana ava vatatu akavaberekerwa naBhatishua muKenani. Asi Eri, mwana wedangwe waJudha, akanga ari munhu akaipa pamberi paJehovha, akamuuraya.