1 Chronicles 21:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
makore matatu enzara, kana kuparadzwa naʋaʋeŋgi ʋako mŋedzi mitatu, ucidziŋgwa nomunondo waʋaʋeŋgi ʋako, kana munondo waJehova mazuʋa matatu, ndiro ɗenda panyika, mutumŋa waJehova aciparadza panyika yose yaIsraeri. Ɀino cifuŋga hako, uraŋgarire mhinduro yandiŋgadzosera kunaiye wakandituma.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Makore matatu enzara, mwedzi mitatu yokutsvairwa pamberi pavavengi vako, minondo yavo ichikuparadzai, kana kuti mazuva matatu omunondo waJehovha, mazuva edenda munyika mutumwa waJehovha achiparadza panyika yose yaIsraeri. Zvino saka zvisarudzirei kuti ndinganopindura sei uyo akandituma.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kana kuti mupedze mwedzi mitatu muchingotiza vavengi venyu vachikurondai, kana kuti mazuva matatu muine pfumvu yebakatwa raTenzi muno munyika yenyu murohwe nedenda, mutumwa waTenzi abvongodze nyika yose yeIsiraeri achiparadza. Zvino dai mukapafunga mundipewo mhinduro yokundopa andituma.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
makore matatu enzara, kana kuparadzwa navavengi vako mwedzi mitatu, uchidzingwa nomunondo wavavengi vako, kana munondo waJehovha mazuva matatu, ndiro denda panyika, mutumwa waJehovha achiparadza panyika yose yaIsiraeri.’ Zvino chifunga hako, urangarire mhinduro yandingadzosera kuna iye akandituma.”
Shona 2009?
makore matatu enzara, kana kuparadzwa navavengi vako mwedzi mitatu, uchidzingwa nomunondo wavavengi vako, kana munondo waJehovha mazuva matatu, ndiro denda panyika, mutumwa waJehovha achiparadza panyika yose yaIsiraeri.' Zvino chifunga hako, urangarire mhinduro yandingadzosera kuna iye akandituma."
Shona SUB 2002 Bible
makore matatu enzara, kana kuparadzwa navavengi vako mwedzi mitatu, uchidzingwa nomunondo wavavengi vako, kana munondo waJehovha mazuva matatu, ndiro denda panyika, mutumwa waJehovha achiparadza panyika yose yaIsiraeri.’ Zvino chifunga hako, urangarire mhinduro yandingadzosera kuna iye akandituma.”