1 Chronicles 21:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Davidi akati kunaGadi: Ndiri pakumanikidzwa kukuru; ndiwire haŋgu ɀino muruʋoko rwaJehova, nokuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege haŋgu kuwira muruʋoko rwomunhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akati kuna Gadhi, “Ndiri mukutambudzika kukuru kwazvo. Rega hako ndiwire mumaoko aJehovha nokuti tsitsi dzake dzakakura kwazvo, asi musandirega ndichiwira mumaoko avanhu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi ndokuti kuna Gadhi, “Inga ndazotambura zvino. Rega zvako ndirangwe zvangu naTenzi nokuti ngoni dzake dzakawanda kwazvo. Asi zvokuti munhu ave iye wokundiranga, aiwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Dhavhidhi akati kuna Gadhi, “Ndiri pakumanikidzwa kukuru; ndiwire hangu zvino muruoko rwaJehovha, nokuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege hangu kuwira muruoko rwomunhu.”
Shona 2009?
Ipapo Dhavhidhi akati kuna Gadhi, "Ndiri pakumanikidzwa kukuru; ndiwire hangu zvino muruoko rwaJehovha, nokuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege hangu kuwira muruoko rwomunhu."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Dhavhidhi akati kuna Gadhi, “Ndiri pakumanikidzwa kukuru; ndiwire hangu zvino muruoko rwaJehovha, nokuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege hangu kuwira muruoko rwomunhu.”