1 Chronicles 21:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋari akatuma mutumŋa Jerusarema kuzoriparadza; ɀino wakati oɗa kuparadza, Jehova akatarira, akaɀiɗemba pamsoro pecinhu ico cakaipa, akati kumutumŋa wakaŋga aciparadza: Ndiɀo, cidzosa ruʋoko rwako. Ɀino mutumŋa waJehova wakaŋga amire paɓuriro raOrnani muJebusi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Jehovha akatuma mutumwa kuti aparadze Jerusarema, asi mutumwa uya paakanga achiita izvi Jehovha akazviona uye akazvidemba nokuda kwedambudziko iri akati kumutumwa aiparadza vanhu, “Zvakwana! Dzosa ruoko rwako.’ ” Mutumwa waJehovha ipapo akanga akamira paburiro raArauna muJebhusi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari akatuma mutumwa wacho kuJerusaremu kundoriparadza. Paakanga zvino oda kuti achiriparadza, Tenzi achizvionawo, akanyevenuka mwoyo akarega kuwana chakaipa chaakazovaita. Akati kumutumwa akanga achiita basa rokuparadza wacho, “Zvakwana chirega.” Izvozvo mutumwa iyeyo akanga amire pedyo neburiro raOrinani wechiJebhusi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwari akatuma mutumwa Jerusaremu kuzoriparadza; zvino wakati oda kuparadza, Jehovha akatarira, akazvidemba pamusoro pechinhu icho chakaipa, akati kumutumwa akanga achiparadza, “Ndizvo, chidzosa ruoko rwako.” Zvino mutumwa waJehovha akanga amire paburiro raOrinani muJebhusi.
Shona 2009?
Mwari akatuma mutumwa Jerusaremu kuzoriparadza; zvino wakati oda kuparadza, Jehovha akatarira, akazvidemba pamusoro pechinhu icho chakaipa, akati kumutumwa akanga achiparadza, "Zvino, chidzosa ruoko rwako." Zvino mutumwa waJehovha akanga amire paburiro raOrinani muJebhusi.
Shona SUB 2002 Bible
Mwari akatuma mutumwa Jerusaremu kuzoriparadza; zvino wakati oda kuparadza, Jehovha akatarira, akazvidemba pamusoro pechinhu icho chakaipa, akati kumutumwa akanga achiparadza, “Ndizvo, chidzosa ruoko rwako.” Zvino mutumwa waJehovha akanga amire paburiro raOrinani muJebhusi.