1 Chronicles 21:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Davidi akati kunaMŋari: Ko handizi ini here ndakaraira kuti ʋanhu ʋaʋereŋgwe? Ndini ndakatadza haŋgu ndikaita ɀakaipa ɀikuru; asi makwai awa akaiteiko? Jehova Mŋari waŋgu, ruʋoko rwenyu ŋgarundiroʋe harwo ini neimba yaɓaɓa ʋaŋgu; asi ŋgarurege kuroʋa ʋanhu ʋenyu, nokuʋatambudza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Handisini here ndakarayira kuti varwi vose vaverengwe? Ndini ndakatadza ndikaita zvakaipa, ava vanongova makwai chete. Vakaiteiko? Haiwa Jehovha, Mwari wangu, regai ruoko rwenyu ruwire pandiri ini nemhuri yangu, asi musarega denda iri riri pamusoro pavanhu venyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Inga wani ndini ndakati kuverengwe vanhu. Ndini ndakatadza ndakaita zvakaipa kwazvo. Ko hwai idzika dzakapareiwo? Ndapota zvangu nhai Tenzi, Mwari wangu. Dai mukachiranga ini nevemba yokwababa vangu, murege zvenyu kuonesa nhamo vanhu ava.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Ko handizi ini here ndakaraira kuti vanhu vaverengwe? Ndini ndakatadza hangu ndikaita zvakaipa zvikuru; asi makwai awa akaiteiko? Jehovha Mwari wangu, ruoko rwenyu ngarundirove harwo ini neimba yababa vangu; asi ngarurege kurova vanhu venyu, nokuvatambudza.”
Shona 2009?
Zvino Dhavhidhi akati kuna Mwari, "Ko handizi ini here ndakaraira kuti vanhu vaverengwe? Ndini ndakatadza hangu ndikaita zvakaipa zvikuru; asi makwai awa akaiteiko? Jehovha Mwari wangu, ruoko rwenyu ngarundirove harwo ini neimba yababa vangu; asi ngarurege kurova vanhu venyu, nokuvatambudza."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Ko handizi ini here ndakaraira kuti vanhu vaverengwe? Ndini ndakatadza hangu ndikaita zvakaipa zvikuru; asi makwai awa akaiteiko? Jehovha Mwari wangu, ruoko rwenyu ngarundirove harwo ini neimba yababa vangu; asi ngarurege kurova vanhu venyu, nokuvatambudza.”