1 Chronicles 21:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Ornani akati kunaDavidi: Ritorei henyu, ishe waŋgu, mambo aite seɀaanoɗa; tarirai, ndinokupai nzombe ɀiʋe ɀipiriso ɀinopiswa, nenhumbi dzokupura nadzo dziʋe huni, neɀiyo ciʋe cipiriso coʋupfu; ndinoɀipa ɀose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Arauna akati kuna Dhavhidhi, “Ritorei henyu! Ishe wangu mambo ngavaite zvinovafadza. Tarirai ndichakupai nzombe yezvibayiro zvinopiswa, matanda okupurisa dzive huni, uye zviyo zvive zvipiriso zvoupfu. Ndichakupai zvose izvi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Orinani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Torai zvenyu changamire mambo muite zvenyu zvamunoda. Chionaika ndinokupaiwo mombe dzomupiro wokupisa nehuni dzacho nezvirhei zvokupirisa izvi nekoroni yomupiro wembesanwa. Zvose izvozvo ndini ndichabvisa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Orinani akati kuna Dhavhidhi, “Ritorei henyu, ishe wangu, mambo aite sezvaanoda; tarirai, ndinokupai nzombe zvive zvipiriso zvinopiswa, nenhumbi dzokupura nadzo dzive huni, nezviyo chive chipiriso choupfu; ndinozvipa zvose.”
Shona 2009?
Ipapo Orinani akati kuna Dhavhidhi, "Ritorei henyu, ishe wangu, mambo aite sezvaanoda; tarirai, ndinokupai nzombe zvive zvipiriso zvinopiswa, nenhumbi dzokupura nadzo dzive huni, nezviyo chive chipiriso choupfu; ndinozvipa zvose."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Orinani akati kuna Dhavhidhi, “Ritorei henyu, ishe wangu, mambo aite sezvaanoda; tarirai, ndinokupai nzombe zvive zvipiriso zvinopiswa, nenhumbi dzokupura nadzo dzive huni, nezviyo chive chipiriso choupfu; ndinozvipa zvose.”