1 Chronicles 21:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Joabi akati: Jehova ŋgaawedzere ʋanhu ʋake runezana pakuwanda kwaʋo ɀino; asi ishe waŋgu mambo, ʋose haʋazi ʋaranda ʋashe waŋgu here? Ishe waŋgu unotȿakireiko cinhu ici? Ucapinzireiko ʋaIsraeri pamhoȿa?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Joabhu akapindura akati, “Jehovha ngavawedzere uwandu hwavarwi vake kakapetwa kazana. Ishe wangu mambo, ava vose havasi pasi petsoka dzenyu here? Seiko ishe wangu muchida kuita izvi? Sei muchida kuuyisa mhosva kuna Israeri?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Joabhu akati, “Hongu zvazvo, dai Tenzi awedzera vanhu kazana kakazanirana kupfuura zvavari kuri zvino! Asi nhai changamire mambo, ko inga vanhu vose ivava varanda venyu wani, changamire. Zvino madireiko kuita chinhu chakadai? Madirei kuparira Isiraeri mhosva yakadai?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Joabhu akati, “Jehovha ngaawedzere vanhu vake runezana pakuwanda kwavo zvino; asi ishe wangu mambo, vose havazi varanda vashe wangu here? Ishe wangu anotsvakireiko chinhu ichi? Achapinzireiko vaIsiraeri pamhosva?”
Shona 2009?
Joabhu akati, "Jehovha ngaawedzere vanhu vake runezana pakuwanda kwavo zvino; asi ishe wangu mambo, vose havazi varanda vashe wangu here? Ishe wangu anotsvakireiko chinhu ichi? Achapinzireiko vaIsiraeri pamhosva?"
Shona SUB 2002 Bible
Joabhu akati, “Jehovha ngaawedzere vanhu vake rune zana pakuwanda kwavo zvino; asi ishe wangu mambo, vose havazi varanda vashe wangu here? Ishe wangu anotsvakireiko chinhu ichi? Achapinzireiko VaIsiraeri pamhosva?”