1 Chronicles 21:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Joabi akarondedzera kuwanda kwaʋanhu kunaDavidi. ƲaIsraeri ʋose ʋakaȿika ɀuru ɀineɀuru neɀuru ɀinezana ɀaʋanhu ʋaigona kurwa nomunondo; ʋuye ʋaJuda ʋakaȿika ɀuru ɀamazana manna namakumi manomŋe ʋaigona kurwa nomunondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Joabhu akataurira Dhavhidhi uwandu hwavarwi achiti muIsraeri yose maiva navanhu vaigona kubata munondo vaisvika miriyoni nezana rezviuru zvavarume, vachisanganisira zviuru makumi manomwe muJudha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Joabhu akataurira Dhavhidhi uwandi hwavanhu hwakadai izvi: KwaIsiraeri kwose kwaiva nemiriyoni imwechete ine zana rezviuru zvavarume vokurwa namapakatwa, kwaJudha kuine mazana ezviuru ane zviuru makumi manomwe avarume vokurwa namapakatwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Joabhu akarondedzera kuwanda kwavanhu kuna Dhavhidhi. VaIsiraeri vose vakasvika zviuru zvinezviuru nezviuru zvinezana zvavanhu vaigona kurwa nomunondo; uye vaJudha vakasvika zviuru zvamazana mana namakumi manomwe vaigona kurwa nomunondo.
Shona 2009?
Joabhu akarondedzera kuwanda kwavanhu kuna Dhavhidhi. Valsiraeri vose vakasvika zviuru zvinezviuru nezviuru zvinezana zvavanhu vaigona kurwa nomunondo; uye vaJudha vakasvika zviuru zvamazana mana namakumi manomwe vaigona kurwa nomunondo.
Shona SUB 2002 Bible
Joabhu akarondedzera kuwanda kwavanhu kuna Dhavhidhi. VaIsiraeri vose vakasvika zviuru zvine zviuru nezviuru zvine zana zvavanhu vaigona kurwa nomunondo; uye vaJudha vakasvika zviuru zvamazana mana namakumi manomwe vaigona kurwa nomunondo.