1 Chronicles 22:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
iye ucaʋakira zita raŋgu imba; iye ucaʋa mŋanakomana waŋgu, neni ndicaʋa ɓaɓa ʋake; ini ndicasimbisa cigaro cake coʋushe pakati paIsraeri nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iyeye ndiye achavakira Zita rangu imba. Achava mwanakomana wangu uye ini ndichava baba vake. Uye ndichasimbisa chigaro choumambo hwake pamusoro peIsraeri nokusingaperi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiye achavaka imba yokuisa zita rangu. Achava mwana kwandiri ini ndiri baba kwaari. Ndichaita kuti umambo hwake hudzike midzi muIsiraeri narini wose.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
iye achavakira zita rangu imba; iye achava mwanakomana wangu, neni ndichava baba vake; ini ndichasimbisa chigaro chake choushe pakati paIsiraeri nokusingaperi.’
Shona 2009?
iye achavakira zita rangu imba; iye achava mwanakomana wangu, neni ndichava baba vake; ini ndichasimbisa chigaro chake choushe pakati paIsiraeri nokusingaperi.'
Shona SUB 2002 Bible
iye achavakira zita rangu imba; iye achava mwanakomana wangu, neni ndichava baba vake; ini ndichasimbisa chigaro chake choushe pakati paIsiraeri nokusingaperi.’