1 Chronicles 22:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuɗaro ucafambiswa ɀakanaka, kana ucicenjera kuita mitemo neɀakatoŋgwa, ɀakarairwa Mosesi naJehova pamsoro paIsraeri; simba, utsuŋge mŋoyo, usatya kana kuvunduswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo uchava nokubudirira kana ukachenjerera kuchengetedza mitemo nemirayiro yakapiwa Mozisi naJehovha kuti ape Israeri. Iva nesimba utsunge mwoyo. Usatya uye usaora mwoyo.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndopauchabudirira ukange wachenjerera kuchengeta zvirevo nemirao yakatemerwa Mosesi naTenzi kuti ape vaIsiraeri. Shinga utsunge mwoyo usatye kana kurasa mwoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokudaro uchafambiswa zvakanaka, kana uchichenjera kuita mitemo nezvakatongwa, zvakarairwa Mosesi naJehovha pamusoro paIsiraeri; simba, utsunge mwoyo, usatya kana kuvhunduswa.
Shona 2009?
Nokudaro uchafambiswa zvakanaka, kana uchichenjera kuita mitemo nezvakatongwa, zvakarairwa Mozisi naJehovha pamusoro paIsiraeri; simba, utsunge moyo; usatya kana kuvhunduswa.
Shona SUB 2002 Bible
Nokudaro uchafambiswa zvakanaka, kana uchichenjera kuita mitemo nezvakatongwa, zvakarairwa Mosesi naJehovha pamusoro paIsiraeri; simba, utsunge mwoyo, usatya kana kuvhunduswa.