1 Chronicles 22:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino tarira, ndakatambura ndicigadzirira imba yaJehova matarenta aneɀuru ɀinezana ɀendarama, namatarenta anecuru ceɀuru esirveri; nendarira namatare ɀisinakuidzwa, nokuti ɀakawanda kwaɀo; ndakagadzira ʋo matanda namabge; newe uŋgawedzera hako paɀiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndakatambura zvikuru kwazvo kuti ndipe kutemberi yaJehovha matarenda zviuru zanaa zvegoridhe, matarenda miriyonib esirivha, ndarira nesimbi yakawanda zvokuti haangayerwe pachikero, namatanda namatombo. Uye unogona kuwedzera pamusoro pazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakatambudzika kwazvo ini kuunganidza zvinhu zvemba yaTenzi zvinoti: zviuru zvitatu zvematani endarama zvina matani mazana mana nesirivha inorema matani zviuru makumi matatu namana, kwouya ndarira nesimbi isingambozivana nokuti yakawanda kwazvo kwozouya mapango namatombo andakaunganidzawo. Iwe unofanira kuwedzerawo pana izvozvi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino tarira, ndakatambura ndichigadzirira imba yaJehovha matarenda ane zviuru zvine zana zvendarama, namatarenda ane chiuru chezviuru esirivha; nendarira namatare zvisina kuidzwa, nokuti zvakawanda kwazvo; ndakagadzirawo matanda namabwe; newe ungawedzera hako pazviri.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible