1 Chronicles 22:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino shiŋgairai nemŋoyo yenyu ʋuye nemŋeya yenyu kutȿaka Jehova Mŋari wenyu; naiɀoɀo simukai muʋake imba tȿene yaJehova Mŋari, kuti mugoisa areka yesuŋgano yaJehova nenhumbi tȿene dzaMŋari muimba inofanira kuʋakirwa zita raJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino zvipirei mwoyo nemweya kutsvaka Jehovha Mwari wenyu. Tangai kuvaka nzvimbo tsvene yaJehovha Mwari, kuitira kuti mugouyisa areka yesungano yaJehovha nemidziyo mitsvene yaMwari mutemberi ichavakirwa Zita raJehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino pfungwa dzenyu nomwoyo yenyu ngazvichiva pakutsvaka Tenzi, Mwari wenyu. Imi mochitomira muvake nzvimbo inoera yaTenzi Mwari kuitira kuti bhokisi rechitenderano raMwari nemidziyo inoera yaMwari iiswe mumba yakavakirwa kuisa zita raTenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino shingairai nemwoyo yenyu uye nemweya yenyu kutsvaka Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo simukai muvake imba tsvene yaJehovha Mwari, kuti mugoisa areka yesungano yaJehovha nenhumbi tsvene dzaMwari muimba inofanira kuvakirwa zita raJehovha.”
Shona 2009?
Zvino shingairai nemoyo yenyu uye nemweya yenyu kutsvaka Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo simukai muvake imba tsvene yaJehovha Mwari, kuti mugoisa areka yesungano yaJehovha nenhumbi tsvene dzaMwari muimba inofanira kuvakirwa zita raJehovha."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino shingairai nemwoyo yenyu uye nemweya yenyu kutsvaka Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo simukai muvake imba tsvene yaJehovha Mwari, kuti mugoisa areka yesungano yaJehovha nenhumbi tsvene dzaMwari muimba inofanira kuvakirwa zita raJehovha.”