1 Chronicles 22:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akati: Soromoni mŋanakomana waŋgu uciri muɗuku usinesimba, ʋuye imba, inofanira kuʋakirwa Jehova, inofanira kuʋa huru kwaɀo, iŋgarumbidzwa nokukudzwa panyika dzose; saka ini ndicaigadzirira. Naiɀoɀo Davidi akagadzira ɀizhinji asati afa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akati, “Mwanakomana wangu Soromoni mudiki kwazvo uye haasati ava noruzivo, uye imba ichavakirwa Jehovha inofanira kuva huru kwazvo, inorumbidzwa nokukudzwa kwazvo pamberi pamarudzi ose. Saka ndichaigadzirira.” Saka Dhavhidhi akagadzirira zvikuru kwazvo asati afa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
pamusana pokuti Dhavhidhi aiti, “Mwanangu Soromoni uyu achiri muduku haasati agara nebasa, zvino imba yacho iyi ichavakirwa Tenzi inofanira kuva imba chaiyo yamandiriri, idhume mbiri nomukurumbira nyika yose. Naizvozvo ndichafanoigadzirira.” Nokudaro Dhavhidhi akaunganidza mirwi nemirwi yezvinhu zvokuvakisa asati afa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akati, “Soromoni mwanakomana wangu achiri muduku asine simba, uye imba, inofanira kuvakirwa Jehovha, inofanira kuva huru kwazvo, ingarumbidzwa nokukudzwa panyika dzose; saka ini ndichaigadzirira.” Naizvozvo Dhavhidhi akagadzira zvizhinji asati afa.
Shona 2009?
Dhavhidhi akati, "Soromoni mwanakomana wangu achiri muduku asine simba, uye imba, inofanira kuvakirwa Jehovha, inofanira kuva huru kwazvo, ingarumbidzwa nokukudzwa panyika dzose; saka ini ndichaigadzirira." Naizvozvo Dhavhidhi akagadzira zvizhinji asati afa.
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akati, “Soromoni mwanakomana wangu achiri muduku asine simba, uye imba, inofanira kuvakirwa Jehovha, inofanira kuva huru kwazvo, ingarumbidzwa nokukudzwa panyika dzose; saka ini ndichaigadzirira.” Naizvozvo Dhavhidhi akagadzira zvizhinji asati afa.