1 Chronicles 22:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: Iwe wakateʋura ropa rakawanda, ʋuye wakarwa ɀizhinji; iwe hauŋgaʋakiri zita raŋgu imba, nokuti wakateʋura ropa rakawanda panyika pamberi paŋgu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi shoko iri raJehovha rakauya kwandiri richiti, ‘Wakadeura ropa zhinji uye ukarwa hondo dzakawanda. Iwe haungavakiri Zita rangu imba, nokuti wakadeura ropa rakawanda kwazvo pamberi pouso hwangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, ‘Wakadeura ropa rakawanda ukarwa hondo dzakakura saka iwe haufaniri kundivakira imba yokuisa zita rangu nokuti wakadeura ropa rakawanda kwazvo mumeso mangu panyika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, ‘Iwe wakateura ropa rakawanda, uye wakarwa zvizhinji; iwe haungavakiri zita rangu imba, nokuti wakateura ropa rakawanda panyika pamberi pangu;
Shona 2009?
Asi shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, `Iwe wakateura ropa rakawanda, uye wakarwa zvizhinji; iwe haungavakiri zita rangu imba, nokuti wakateura ropa rakawanda panyika pamberi pangu;
Shona SUB 2002 Bible
Asi shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, ‘Iwe wakateura ropa rakawanda, uye wakarwa zvizhinji; iwe haungavakiri zita rangu imba, nokuti wakateura ropa rakawanda panyika pamberi pangu;