1 Chronicles 23:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanakomana ʋaAmrami: Aroni, naMosesi; Aroni ndiye wakatsaurwa, kuti anatse ɀinhu ɀitȿene‐tȿene, iye naʋanakomana ʋake, nokusiŋgaperi; kuti ʋapise ɀinonhuwira pamberi paJehova, nokumushumira, nokuropafadza ʋanhu nezita rake nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanakomana vaAmiramu vaiva: Aroni naMozisi. Aroni akatsaurwa iye nezvizvarwa zvake nokusingaperi, kuti anatse zvinhu zvaiva zvitsvene tsvene, kuti vape zvipiriso pamberi paJehovha, kushumira pamberi pake uye kutaura maropafadzo muzita rake nokusingaperi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanakomana vaAmuramu ndiAroni naMosesi. Aroni akatsaurwa kuti ave ndiye wokuteketera kuna Mwari zvinhu zvinoera kwazvo kuti iye navanakomana vokwake vave vokupisa rusenzi pana Tenzi narini wose uye kumushandira nokukomborera vanhu muzita rake nokusingaperi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanakomana vaAmirami: Aroni, naMosesi; Aroni ndiye akatsaurwa, kuti anatse zvinhu zvitsene-tsvene, iye navanakomana vake, nokusingaperi; kuti vapise zvinonhuwira pamberi paJehovha, nokumushumira, nokuropafadza vanhu nezita rake nokusingaperi.
Shona 2009?
Vanakomana vaAmirami: Aroni, naMozisi; Aroni ndiye akatsaurwa, kuti anatse zvinhu zvitsene-tsvene, iye navanakomana vake, nokusingaperi; kuti vapise zvinonhuhwira pamberi paJehovha,nokumushumira, nokuropafadza vanhu nezita rake nokusingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
Vanakomana vaAmirami: Aroni, naMosesi; Aroni ndiye akatsaurwa, kuti anatse zvinhu zvitsene–tsvene, iye navanakomana vake, nokusingaperi; kuti vapise zvinonhuwira pamberi paJehovha, nokumushumira, nokuropafadza vanhu nezita rake nokusingaperi.