1 Chronicles 23:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuɓayira Jehova ɀipiriso ɀose ɀinopiswa, pamasabata, napakugara kwomŋedzi, napamitambo yakatarwa paŋguʋa dzose dzakarairwa, mazuʋa ose pamberi paJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye napose paipiwa zvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha pamaSabata uye napamitambo yokugara kwoMwedzi napane mimwe mitambo yakarairwa. Vaifanira kushanda pamberi paJehovha nguva dzose nouwandu hwaidiwa uye nenzira yavakanga varayirwa kuti vaiite.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
napose paipirwa kuna Tenzi mipiro yokupisa pamisi yeSabata neyokugara kwemwedzi namamwe mazuva makuru zvichifambiranawo nouwandi hwavo sezvavakanzi vagare vachiita pana Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokubayira Jehovha zvipiriso zvose zvinopiswa, pamaSabata, napakugara kwemwedzi, napamitambo yakatarwa panguva dzose dzakarairwa, mazuva ose pamberi paJehovha.
Shona 2009?
nokubayira Jehovha zvipiriso zvose zvinopiswa, pamaSabata, napakugara kwemwedzi, napamitambo yakatarwa panguva dzose dzakarairwa, mazuva ose pamberi paJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
nokubayira Jehovha zvipiriso zvose zvinopiswa, pamaSabata, napakugara kwemwedzi, napamitambo yakatarwa panguva dzose dzakarairwa, mazuva ose pamberi paJehovha.