1 Chronicles 24:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Shemaya mŋanakomana waNetaneri, munyori, wakaŋga ari waʋaRevi, akaʋanyora pamberi pamambo, namacinda, nomuprista Zadoki, naAhimereki mŋanakomana waAbiyatari, naʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋaprista naʋaRevi; ʋacitsaura mhuri imŋe kunaEreazari, nemhuri imŋe kunaItamari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munyori Shemaya mwanakomana waNetaneri, muRevhi, akanyora mazita avo pamberi pamambo, napamberi pavabati vaiti: Zadhoki muprista, Ahimereki mwanakomana waAbhiatari navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi mhuri imwe chete ichitorwa kubva kuna Ereazari uye imwe chete kubva kuna Itamari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munyori Shemaya mwanakomana waNetaneri muRevhi ndiye aivanyora pana vanhu ava vanoti: mambo namakurukota ake nomupristi Zadhoki naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari navatungamiriri vedzimhuri dzokwavo dzavapristi nedzavaRevhi vachimboti torei mutungamiriri kumhuri yokwaEreazari vozotizve torei mutungamiriri kumhuri yokwaItamaru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Shemaya mwanakomana waNetaneri, munyori, akanga ari wavaRevhi, akavanyora pamberi pamambo, namachinda, nomupristi Zadhoki, naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari, navakuru vedzimba dzamadzibaba avapristi navaRevhi; vachitsaura mhuri imwe kuna Eriazari, nemhuri imwe kuna Itamari.
Shona 2009?
Shemaya mwanakomana waNetaneri, munyori, akanga ari wavaRevhi, akavanyora pamberi pamambo, namachinda, nomuprista Zadhoki, naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari, navakuru vedzimba dzamadzibaba avaprista navaRevhi; vachitsaura mhuri imwe kuna Eriazari, nemhuri imwe kuna Itamari.
Shona SUB 2002 Bible
Shemaya mwanakomana waNetaneri, munyori, akanga ari wavaRevhi, akavanyora pamberi pamambo, namachinda, nomupristi Zadhoki, naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari, navakuru vedzimba dzamadzibaba avapristi navaRevhi; vachitsaura mhuri imwe kuna Eriazari, nemhuri imwe kuna Itamari.