1 Chronicles 25:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aʋa ʋose ʋairairwa naɓaɓa ʋaʋo pakuimba kwaʋo paimba yaJehova namakandira, nemiteŋgeraŋwa, nembira, paɓasa reimba yaMŋari; Asafi, naJedutuni, naHemani ʋairairwa namambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume vose ava vaitungamirirwa namadzibaba avo, mukuimba mutemberi yaJehovha, namakandira nemitengeranwa nembira, kuti vaite ushumiri paimba yaMwari. Asafi, Jedhutuni naHemani vaiva pasi pamambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vose ivava vaitungamirirwa nababa wavo mune zvokuimba izvi mumba yaTenzi vaine makwakwakwa outare namadimbwa nezvipendhani pane zvainge zvichiitwa mumba yaMwari. Zvaiitwa naAsafu naJedhutuni naHemani vaizviita vari mumaoko amambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ava vose vairairwa nababa vavo pakuimba kwavo paimba yaJehovha namakandira, nemitengerangwa, nembira, pabasa reimba yaMwari; Asafi, naJedhutuni, naHemani vairairwa namambo.
Shona 2009?
Ava vose vairairwa nababa vavo pakuimba kwavo paimba yaJehovha namakandira, nemitengeramwa, nembira, pabasa reimba yaMwari; Asafi, naJedhutuni, naHemani vairairwa namambo.
Shona SUB 2002 Bible
Ava vose vairairwa nababa vavo pakuimba kwavo paimba yaJehovha namakandira, nemitengerangwa, nembira, pabasa reimba yaMwari; Asafi, naJedhutuni, naHemani vairairwa namambo.